Varoma 11:1-10
Varoma 11:1-10 SNA2002
Zvino ndinoti, Ko Mwari wakarasa vanhu vake here? Haisva! Nokuti neniwo ndiri muIsiraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBhenjamini. Mwari haana kurasa vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti anokumbira kuna Mwari pamusoro pavaIsiraeri, achiti, “Ishe, vakauraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu; ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundiuraya?” Asi Mwari anomupindureiko? Anoti, “Ndakazvisiyira varume vane zviuru zvinomwe vasina kupfugamira Bhaari.” Zvino, saizvozvo nenguva inowo variko vakasara, vakatsanangurwa nenyasha. Zvino kana kutsanangura kuri kwenyasha, hakusati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha. Zvino tichatiiko? VaIsiraeri havana kuwana zvavakanga vachitsvaka, asi vakatsanangurwa ndivo vakazviwana; vamwe vakaomeswa, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Mwari akavapa mweya wehope; kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.” NaDhavhidhiwo anoti, “Tafura yavo ngaiitwe musungo, neriva, Nechigumbuso, nechinotsiva kwavari, Meso avo ngaasvibirwe, varege kuona; Mukotamise misana yavo misi yose.”

