Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 63:1-6

Mapisarema 63:1-6 SNA2002

Mwari, imi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura. Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene, Kuti ndione simba renyu nokubwinya kwenyu. Nokuti unyoro hwenyu hunokunda upenyu; Miromo yangu ichakurumbidzai. Naizvozvo ndichakuvongai ndichiri mupenyu; Ndichasimudza maoko angu nezita renyu. Mweya wangu uchaguta nezvinenge mwongo namafuta; Muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo; Kana ndichikurangarirai panhoo yangu, Ndichikufungai panguva dzousiku.