Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva. Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure. Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, Munoziva nzira dzangu dzose. Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose. Makandikomberedza shure kwangu nemberi, Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri. Ndingaendepiko ndibve pamweya wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndingakwira kudenga muripo; Kana ndikazviwarira nhoo paSheori, tarirai muripowo. Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani, Ndikandogara pamigumo yegungwa; Naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa
Verenga chikamu Mapisarema 139
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 139:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo