Mweya wangu unonamatira guruva; Ndiponesei neshoko renyu. Ndakadudzira nzira dzangu, imi makandipindura; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yezvirevo zvenyu; Ipapo ndichafungisisa mabasa enyu anoshamisa. Mweya wangu unonyunguruka nokuremerwa; Ndisimbisei sezvinorehwa neshoko renyu. Bvisai kwandiri nzira yenhema; Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu. Ndakasanangura nzira yakatendeka; Ndakaisa zvamakatonga pamberi pangu. Ndinonamatira zvipupuriro zvenyu; Jehovha, regai kundinyadzisa. Ndichamhanya nenzira yemirairo yenyu, Kana munenge makurisa mwoyo wangu. Ndidzidzisei, Jehovha, nzira yemitemo yenyu; Ndigoichengeta kusvikira pakuguma. Ndipei njere, ndichengete murau wenyu; Zvirokwazvo, ndichauchengeta nomwoyo wangu wose. Ndifambisei munzira yemirairo yenyu; Nokuti ndinoifarira kwazvo. Kweverai mwoyo wangu kuzvipupuriro zvenyu, Urege kukweverwa mukuchiva. Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo, Mundiponese panzira dzenyu. Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu, Rakakwanira vanokutyai. Bvisai kushoorwa kwangu kwandinotya, Nokuti zvamakatonga zvakanaka. Tarirai, ndakashuva zvirevo zvenyu; Ndiponesei mukururama kwenyu.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:25-40
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo