Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 4:1-11

Zvirevo 4:1-11 SNA2002

Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere. Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu. Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikanwa kwazvo, namai vangu; Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, “Mwoyo wako ngaunatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame. Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu; Usaurasha, hugokuchengeta; Uude, hugokurinda. Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo. Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira. Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.” Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji. Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama.

Verenga chikamu Zvirevo 4