Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; Anoufambisa sezvaanoda. Nzira ipi neipi yomunhu anoti yakarurama pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera mwoyo. Kuita zvakarurama nokururamisira Zvinofadza Jehovha kupfuura chibayiro. Kutarira kwamanyawi nomwoyo unozvikudza, Icho chiedza chavakaipa, zvivi. Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; Asi ani naani anokurumidzisa anongovangira kushaiwa.
Verenga chikamu Zvirevo 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 21:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo