Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 17:15-28

Zvirevo 17:15-28 SNA2002

Anopembedza akaipa, noanopa wakarurama mhosva, Vose vari vaviri vanonyangadza Jehovha. Mari iri muruoko rwebenzi neiko kuti ritenge uchenjeri, Zvarisina njere. Shamwari inoda nguva dzose; Hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika. Munhu anoshaiwa njere, ndiye anozvisunga noruoko rwake, Achizviitira wokwake rubatso. Anoda kukakavara, anoda kudarika; Anokurisa suo rake, anotsvaka kuparadzwa. Ano mwoyo usakarurama haawani zvakanaka; Ano rurimi rusakarurama anowira munjodzi. Anobereka benzi achazonzwa shungu; Baba vebenzi havana mufaro. Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora; Asi mweya wakaputsika unowomesa mapfupa. Munhu akaipa anogamuchira fufuro inobva muchipfuva, Kuti aminamise nzira dzokururamisira. Uchenjeri huri pamberi poane njere; Asi meso ebenzi ari pamigumo yenyika. Mwanakomana benzi anochemedza baba vake, Anoitira mai vakamubereka zvinovava. Uye, kuranga akarurama hakuzakanaka, Nokurova vakuru nokuda kwokururama kwavo. Anozvidzora pamashoko ake, ane zivo; Uye ane mweya wakagadzikana, munhu wenjere. Kunyange nebenzi, kana rinyerere, ringanzi rakachenjera; Anobumira muromo wake, achanzi akangwara.

Verenga chikamu Zvirevo 17