musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka; mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire vamwewo. Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndochinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa. Saka Mwari akamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari, Baba, arumbidzwe.
Verenga chikamu VaFiripi 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaFiripi 2:3-11
7 Days
How can we find the right attitude for every situation? What is the right attitude? This seven-day Bible Plan finds answers in the life and teachings of Christ. Let these daily encouragements, reflective prayers, and powerful Scriptures form in you the mind of Christ.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo