Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 16:41-50

Numeri 16:41-50 SNA2002

Fume mangwana ungano yose yavana vaIsiraeri yakapopotera Mosesi naAroni, vachiti, “Imi makauraya vanhu vaJehovha.” Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMosesi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa. Ipapo Mosesi naAroni vakandomira pamberi petende rokusangana, Jehovha akataura naMosesi, akati, “Ibvai paungano iyi, ndivaparadze pakarepo.” Ivo vakawira pasi nezviso zvavo. Mosesi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako yezvinonhuwira, uise moto unobva paatari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuwira pamusoro payo, ukurumbidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nokuti Jehovha atsamwa, denda ratanga.” Aroni akaitora, sezvakataura Mosesi, akamhanyira pakati peungano, onei denda rakanga ratanga pakati pavanhu; akaisa zvinonhuwira pamusoro payo, akayananisira vanhu. Akandomira pakati pavakafa navapenyu, denda rikaguma. Zvino vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru zvine gumi nezvina namazana manomwe, vakanga vafa nokuda kwaKora vasingaverengwi. Ipapo Aroni akadzokera kuna Mosesi kumukova wetende rokusangana, denda rikaguma.

Verenga chikamu Numeri 16