Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 7:5-8

Mako 7:5-8 SNA2002

Ipapo vaFarisi navanyori vakamubvunza, vachiti, “Vadzidzi venyu vanoregereiko kufamba netsika dzavakuru, zvavanodya chingwa namaoko ane tsvina?” Akati kwavari, “Isaya akaporofita kwazvo pamusoro penyu, imi vanyengeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, Asi mwoyo yavo iri kure neni. Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa zvakatemwa navanhu, sokunge zvidzidziso zvechokwadi.’ “Munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu.”

Verenga chikamu Mako 7