Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 8:23-27

Mateu 8:23-27 SNA2002

Akati apinda muigwa, vadzidzi vake vakamutevera. Ipapo dutu guru rikamuka mugungwa, nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu; asi iye akanga avete. Zvino vadzidzi vake vakauya, vakamumutsa, vakati, “Ishe, tiponesei, tofa!” Akati kwavari, “Munotyireiko, imi vokutenda kushoma?” Zvino akamuka, akaraira dutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo. Vanhu vakashamiswa, vakati, “Uyu munhu kunyi, zvaanotererwa nedutu negungwa?”

Verenga chikamu Mateu 8