Mateu 5:38-48
Mateu 5:38-48 SNA2002
“Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsihwa neziso, zino nezino.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musadzivisa akaipa, asi anokurova padama rorudyi, umurinzire rimwewo.’ Kana munhu achida kukukwirira, kuti akutorere nguo yako yomukati, umutendere nenguo yokunzewo. Ani naani anokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri. “Anokumbira kwauri mupe, usafuratira anoda kukwereta kwauri. “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, venga muvengi wako.’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Ida vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai; kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira zuva ravo vakanaka nevakaipa vanonisira mvura vakarurama navasakarurama.’ Nokuti kana muchida avo vanokudai, muno mubayiro weiko? Ko vateresi havaiti saizvozvowo here? “Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuura vamwe neiko? Ko vahedheni havaiti saizvozvowo here? “Naizvozvo muve vakakwana, saBaba venyu vari kudenga vakakwana.

