Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 3:1-17

Mateu 3:1-17 SNA2002

Namazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea, achiti, “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.” Nokuti uyu ndiye wakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Izwi raanodana murenje: ‘Gadzirai nzira yaIshe, Ruramisai migwagwa yake.’ ” Iye Johani aiva nenguo yamakushe engamera, nebhanhire reganda pachiuno chake; zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi hwemusango Zvino veJerusaremu rose neJudhea nenyika yose yakapoteredza Jorodhani vakabudira kwaari, vakabhabhatidzwa naye murwizi Jorodhani vachireurura zvivi zvavo. Asi akati achiona vazhinji vavaFarisi navaSadhusi vachiuya kuzobhabhatidzwa, akati kwavari, “Vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya? Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka. Musafunga kutaura mumwoyo menyu, muchiti, ‘Abhurahamu ndibaba vedu;’ nokuti ndinoti kwamuri, ‘Mwari angamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.’ Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; saka muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto. Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, kuti mutendeuke; asi anouya shure kwangu, anesimba, kupfuwureni, wandisakafanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene nomoto. Rusero rwake ruri muruoko rwake; achanatsa buriro rake kwazvo; achaunganidzira koroni mudura, asi hundi achaipisa mumoto usingadzimwi.” Zvino Jesu akabva Gariria, akasvika kuna Jorodhani kuzobhabhatidzwa naJohani. Asi Johani akaedza kumudzivisa, akati, “Ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko mouya kwandiri sei?” Asi Jesu akapindura akati, “Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Johani ndokubva atenda hake. Jesu, akati abhabhatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira, denga rakamuzarukira, akaona Mweya waMwari achiburuka senjiva, akauya pamusoro pake. Zvino tarira, izwi rakabva kudenga, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu mudiwa, wandinofarira!”

Verenga chikamu Mateu 3