Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 27:16-26

Mateu 27:16-26 SNA2002

Nenguva iyo vaiva nomusungwa akakurumbira, ainzi Bharabhasi. Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi, kana Jesu, anonzi Kristu?” Nokuti akanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo. Zvino akati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira izwi kwaari, achiti, “Usava nemhaka nomunhu uyo akarurama; nokuti ndakatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.” Vapristi vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu aurawe. Gavhuna akapindura, akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri?” Vakati, “Bharabhasi.” Pirato akati kwavari, “Ndichagoiteiko naJesu, anonzi Kristu?” Vose vakati kwaari, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa.” Iye akati, “Chakaipa chaakagoita ndecheiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa!” Zvino Pirato, achiona kuti hazvibatsiri, asi kuti potomuka bope, akatora mvura, akageza maoko ake pamberi pavanhu vazhinji, achiti, “Handine mhaka neropa romunhu uyu akarurama; imhaka yenyu!” Vanhu vose vakapindura, vakati, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pavana vedu.” Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa.

Verenga chikamu Mateu 27