Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 25:31-40

Mateu 25:31-40 SNA2002

“Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, achagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; achavaraura somufudzi anoraura makwai nembudzi. Achaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe. “Zvino Ishe achati kuna vari kurudyi, ‘Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mujeri, mukauya kwandiri.’ “Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? Kana musina nguo, tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mujeri, tikauya kwamuri?’ “Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’

Verenga chikamu Mateu 25