Mateu 19:3-9
Mateu 19:3-9 SNA2002
VaFarisi vakauya kwaari, vakamuedza, vachiti, “Ko munhu anotenderwa kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?” Akapindura, akati, “Hamuna kurava here, kuti uyo akavasika pakutanga, akavaita munhurume nomunhukadzi?” Akati, “Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe. Nokudaro havachiri vaviri, asi vava nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” Vakati kwaari, “Mosesi wakagorayireiko kuti murume amupe rugwaro rwokumuramba, agomuramba?” Akati kwavari, “Nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu Mosesi akakutenderai kuramba vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe; noanowana wakarambwa, anoita upombwe.”


