Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 18:23-27

Mateu 18:23-27 SNA2002

Saka ushe hwedenga hungafanana nomumwe mambo, akanga achida kugadzira mangava navaranda vake. Zvino akati achitanga kugadzira, mumwe akanga anechikwerete chamatarenda ane zviuru zvamazana zvine gumi akaiswa kwaari. Asi akati achishayiwa chaangaripa nacho, ishe wake akarayira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwerete chigoripwa Zvino muranda akawira pasi, akakumbira, akati, ‘Ishe, ivai nomwoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.’ Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamuregerera chikwerete.

Verenga chikamu Mateu 18