Saka ushe hwedenga hungafanana nomumwe mambo, akanga achida kugadzira mangava navaranda vake. Zvino akati achitanga kugadzira, mumwe akanga anechikwerete chamatarenda ane zviuru zvamazana zvine gumi akaiswa kwaari. Asi akati achishayiwa chaangaripa nacho, ishe wake akarayira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwerete chigoripwa Zvino muranda akawira pasi, akakumbira, akati, ‘Ishe, ivai nomwoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.’ Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamuregerera chikwerete.
Verenga chikamu Mateu 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 18:23-27
13 Mazuva
Ko tingararama sei? Uyu mubvunzo wabvunzwa nevaKristu kwemazana emakore, zvekare uri umwe yeinopindurwa naJesu mudzidziso dzaanopa kuvadzidzi vake. Muchidzidzo chino, unotevera ndima gumi nenhatu dzakakosha matinowana mashoko aJesu kubva kunyaya dzerubhabhatidzo, wanano, kushushikana, zvekare dzevarume nemadzimai. Inzwa dzidziso dzaJesu maringe nezviga zviri panhongonya yechitendero chechikristu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo