Mateu 14:25-33
Mateu 14:25-33 SNA2002
Nenguva yechina yousiku akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka, vachiti, “Madzimudzangara,” vakaridza mhere nokutya. Pakarepo Jesu akataura navo, akati, “Tsungai mwoyo ndini, musatya.” Zvino Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, kana murimi, ndiraire kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya!” Petirosi akaburuka muigwa, akafamba pamusoro pemvura, akaenda kuna Jesu. Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino akati otanga kunyura, akadanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!” Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari, “Iwe unokutenda kuduku, wakona kutenda neiko?” Vakati vapinda muigwa, mhepo ikanyarara. Ipapo vakanga vari muigwa vakamupfugamira, vachiti, “Zvirokwazvo, ndimi Mwanakomana waMwari!”


