Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:4-14

Ruka 2:4-14 SNA2002

NaJosefawo akabva Gariria, muguta reNazareta, akaenda Judhea, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bheterehemu, nokuti aiva weimba yaDhavhidhi, noworudzi rwake; kuti anyorwe naMaria, wakanga arooorwa, ava napamuviri. Zvino vakati varipo, mazuva okusununguka kwake akasvika; akasununguka dangwe rake mwanakomana, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakashaiwa nzvimbo mumba mavaeni. Zvino kwakanga kuna vafudzi munyika iyo, vaigara kuhuragu vachirinda mapoka avo usiku. Mutumwa waIshe akamira navo, nokubwinya kwaIshe kukavakomba, vakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumwa akati kwavari, “Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, uchava wavanhu vose; nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ichi ndicho chiratidzo kwamuri, muchandowana mwana mucheche, akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro chezvipfuwo.” Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwechete nomutumwa, vazhinji vehondo yokudenga, vachirumbidza Mwari, vachiti, “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro, Norugare ngaruve navanhu vaanofarira.”

Verenga chikamu Ruka 2