Kuungudza KwaJeremiya 3:19-27
Kuungudza KwaJeremiya 3:19-27 SNA2002
Rangarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, iro gavakava nenduru. Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo. Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro. Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru. Jehovha ndiwo mugove wangu, ndizvo zvinotaura mweya wangu; naizvozvo ndichavimba naye. Jehovha anoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka. Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere, zvakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri muduku.

