Joshua 6:1-16
Joshua 6:1-16 SNA2002
(Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa kwazvo nokuda kwavana vaIsiraeri; kwakanga kusina munhu waibuda kana kupinda.) Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Tarira, ndakapa mumaoko ako Jeriko, namambo waro, navarume varo vane simba noumhare. Munofanira kukomba guta, imi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu. Vapristi vanomwe vanofanira kufamba pamberi peareka vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe; nomusi wechinomwe munofanira kupoteredza guta kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda. Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondohwe, kana imi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye.” Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, akadana vapristi, akati kwavari, “Simudzai areka yesungano, vapristi vanomwe vafambe vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha.” Akati kuvanhu, “Pfuurai, mupoteredze guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vatungamirire areka yaJehovha.” Zvino Joshua wakati ataura navanhu, vapristi vanomwe vakatungamira vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe, vakaridza hwamanda, areka yesungano yaJehovha ikavatevera. Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakatungamirira vapristi vakanga vachiridza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka, vapristi vakafamba vachingoridza hwamanda. Zvino Joshua akaraira vanhu, akati, “Regai kudanidzira, namazwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu, kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira.” Naizvozvo wakaraira kuti areka yaJehovha ipoteredze guta, iripoteredze kamwe chete; vanhu vakapindazve mumisasa, vakavatamo. Joshua akamuka mangwanani, vapristi vakasimudza areka yaJehovha. Navapristi vanomwe vakanga vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha, vakaramba vachifamba vachingoridza hwamanda; navarume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira; navarindi veshure vakatevera areka yaJehovha, vapristi vakafamba vachingoridza hwamanda. Nomusi wechipiri vakapoteredza guta kamwe chete, vakadzokera kumisasa; vakaita saizvozvo mazuva matanhatu. Nomusi wechinomwe vakafumira mangwanani, vakapoteredza guta nomutoo iwoyo kanomwe; nomusi iwoyo bedzi vakapoteredza guta kanomwe. Zvino panguva yechinomwe, vapristi vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, “Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta.

