Joshua 6:1-16 - Compare All Versions
Joshua 6:1-16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa zvakasimba kwazvo nokuda kwavaIsraeri. Hapana akabuda kunze uye hapana akapinda mukati. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Tarira, ndaisa Jeriko mumaoko ako, pamwe chete namambo waro navarume varo vehondo. Fambai mutenderere guta kamwe chete pamwe navarume vose vehondo. Muite izvi kwamazuva matanhatu. Ngapave navaprista vanomwe vanotakura hwamanda dzenyanga dzamakondobwe pamberi peareka. Pazuva rechinomwe fambai muchitenderera guta kanomwe, vaprista vachiridza hwamanda. Kana mukazovanzwa varidza hwamanda kwenguva refu, vanhu vose vanofanira kudanidzira zvikuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka, vanhu vagopinda, mumwe nomumwe pakanangana naye.” Saka Joshua mwanakomana waNuni akadana vaprista akati kwavari, “Takurai areka yesungano yaJehovha uye vaprista vanomwe ngavatakure hwamanda pamberi pavo.” Akarayira vanhu akati, “Endai mberi! Fambai muchipoterera guta, varume vakatakura zvombo zvokurwa nazvo vaende mberi kweareka yaJehovha.” Joshua paakapedza kutaura navanhu, vaprista vanomwe vakatakura hwamanda nomwe pamberi paJehovha vakaenda pamberi, vachiridza hwamanda dzavo, areka yesungano yaJehovha ikavatevera. Vakanga vakatakura zvombo zvokurwa nazvo vakafamba mberi kwavaprista vairidza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka. Nguva yose iyi hwamanda dzairira. Asi Joshua akanga arayira vanhu achiti, “Musadanidzira, musasimudzira manzwi enyu, musamboti bufu kusvikira zuva randinokuudzai kuti mudanidzire, ipapo ndipo pamunozodanidzira!” Naizvozvo akarayira kuti areka yaJehovha itakurwe ipoterere guta, iripoterere kamwe chete. Ipapo vanhu vakadzokera kumisasa vakararako. Joshua akamuka rungwanangwana zuva raitevera vaprista ndokutakura areka yaJehovha. Vaprista vanomwe vakatakura hwamanda nomwe vakaenda pamberi, vakafamba pamberi peareka yaJehovha vachiridza hwamanda. Varume vakanga vakatakura zvombo zvokurwa nazvo vakavatungamirira uye varindi veshure vakatevera areka yaJehovha, hwamanda dzichingoridzwa. Naizvozvo pazuva rechipiri vakafamba vachipoteredza guta kamwe chete vakadzokera kumisasa. Vakaita izvi kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe, vakamuka mambakwedza vakafamba vachipoteredza guta kanomwe nenzira imwe chete, asi musi uyu vakapoterera guta kanomwe. Panguva yechinomwe, vaprista pavakaridza hwamanda, Joshua akarayira vanhu achiti, “Danidzirai! Nokuti Jehovha akupai guta!
Joshua 6:1-16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
(Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa kwazvo nokuda kwavana vaIsiraeri; kwakanga kusina munhu waibuda kana kupinda.) Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Tarira, ndakapa mumaoko ako Jeriko, namambo waro, navarume varo vane simba noumhare. Munofanira kukomba guta, imi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu. Vapristi vanomwe vanofanira kufamba pamberi peareka vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe; nomusi wechinomwe munofanira kupoteredza guta kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda. Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondohwe, kana imi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye.” Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, akadana vapristi, akati kwavari, “Simudzai areka yesungano, vapristi vanomwe vafambe vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha.” Akati kuvanhu, “Pfuurai, mupoteredze guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vatungamirire areka yaJehovha.” Zvino Joshua wakati ataura navanhu, vapristi vanomwe vakatungamira vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe, vakaridza hwamanda, areka yesungano yaJehovha ikavatevera. Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakatungamirira vapristi vakanga vachiridza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka, vapristi vakafamba vachingoridza hwamanda. Zvino Joshua akaraira vanhu, akati, “Regai kudanidzira, namazwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu, kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira.” Naizvozvo wakaraira kuti areka yaJehovha ipoteredze guta, iripoteredze kamwe chete; vanhu vakapindazve mumisasa, vakavatamo. Joshua akamuka mangwanani, vapristi vakasimudza areka yaJehovha. Navapristi vanomwe vakanga vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha, vakaramba vachifamba vachingoridza hwamanda; navarume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira; navarindi veshure vakatevera areka yaJehovha, vapristi vakafamba vachingoridza hwamanda. Nomusi wechipiri vakapoteredza guta kamwe chete, vakadzokera kumisasa; vakaita saizvozvo mazuva matanhatu. Nomusi wechinomwe vakafumira mangwanani, vakapoteredza guta nomutoo iwoyo kanomwe; nomusi iwoyo bedzi vakapoteredza guta kanomwe. Zvino panguva yechinomwe, vapristi vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, “Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta.
Joshua 6:1-16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
(Ɀino guta reJeriko rakaŋga rapfigwa kwaɀo nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri; kwakaŋga kusinomunhu waiɓuɗa kana kupinda.) Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Tarira, ndakapa mumaʋoko ako Jeriko, namambo waro, naʋarume ʋaro ʋanesimba noʋumhare. Munofanira kukomba guta, imi ʋarume ʋose ʋehondo, mupoteredze guta kamŋe cete. Unofanira kuita saiɀoɀo mazuʋa matanhatu. Ʋaprista ʋanomŋe ʋanofanira kufamba pamberi peareka ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge; nomusi wecinomŋe munofanira kupoteredza guta kanomŋe, ʋaprista ʋaciridza hwamanda. Ɀino kana ʋoridzisa norunyaŋga rwegondobge, kana imi mucinzwa kurira kwehwamanda, ipapo ʋanhu ʋose ʋanofanira kuɗanidzira nokuɗanidzira kukuru; ipapo ruȿiŋgo rweguta rucakoromoka cose, naʋanhu ʋanofanira kupinda, mumŋe nomumŋe ipapo pakaruramana naye. Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, akaɗana ʋaprista, akati kwaʋari: Simudzai areka yesuŋgano, ʋaprista ʋanomŋe ʋafambe ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge pamberi peareka yaJehova. Akati kuʋanhu: Pfuʋurai, mupoteredze guta, ʋarume ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋatuŋgamirire areka yaJehova. Ɀino Joshua wakati ataura naʋanhu, ʋaprista ʋanomŋe ʋakatuŋgamira ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge, ʋakaridza hwamanda, areka yesuŋgano yaJehova ikaʋateʋera. Ʋarume ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋakatuŋgamirira ʋaprista ʋakaŋga ʋaciridza hwamanda, naʋarindi ʋeshure ʋakateʋera areka, ʋaprista ʋakafamba ʋaciŋgoridza hwamanda. Ɀino Joshua akaraira ʋanhu, akati: Regai kuɗanidzira, namanzwi enyu ŋgaarege kunzwika, kana shoko rimŋe ŋgarirege kuɓuɗa pamiromo yenyu, kuȿikira pamusi wandinokurairai kuti muɗanidzire; ipapo munofanira kuɗanidzira. Naiɀoɀo wakaraira kuti areka yaJehova ipoteredze guta, iripote kamŋe cete; ʋakapinda ɀe mumisasa, ʋakaʋata’mo. Joshua akamuka maŋgwanani, ʋaprista ʋakasimudza areka yaJehova. Naʋaprista ʋanomŋe ʋakaŋga ʋakaɓata hwamanda nomŋe dzenyaŋga dzamakondobge pamberi peareka yaJehova, ʋakaramba ʋacifamba ʋaciŋgoridza hwamanda; naʋarume ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa ʋakaʋatuŋgamirira; naʋarindi ʋeshure ʋakateʋera areka yaJehova, ʋaprista ʋakafamba ʋaciŋgoridza hwamanda. Nomusi wecipiri ʋakapoteredza guta kamŋe cete, ʋakadzokera kumisasa; ʋakaita saiɀoɀo mazuʋa matanhatu. Nomusi wecinomŋe ʋakafumira maŋgwanani, ʋakapoteredza guta nomutoʋo iwoyo kanomŋe; nomusi iwoyo ɓedzi ʋakapoteredza guta kanomŋe. Ɀino paŋguʋa yecinomŋe, ʋaprista ʋakati ʋaciridza hwamanda, Joshua akati kuʋanhu: Ƌanidzirai, nokuti Jehova wakupai guta.
Joshua 6:1-16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Guta reJeriko rakanga ranyatsonzi ndendende kupfigwa mukati nokunze pamusana pavaIsiraeri. Hakuna aibudamo kana kupindamo. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Chinzwa, ndaisa Jeriko mumaoko ako zvose namambo waro navarwi varo vehondo vakasimba. Varwi vose vehondo munofanira kufamba muchitenderera guta irori, muritenderere kamwechete. Ndozvamuchaita kwamazuva matanhatu. Vapristi vanomwe vachange vane hwamanda dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi rechitenderano. Pazuva rechinomwe forai muchitenderera guta irori kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda. Pavanozoti rebesei kuridza hwamanda yorunyanga rwehondohwe pamunongonzwa hwamanda iyoyo, vanhu vose ngavazhambe nezwi guru. Rusvingo rweguta iri ruchakoromokera pasi kuti warara, munhu wose ngaabva ati karakata napakanangana naye.” Joshuwa mwanakomana waNuni akadaidza vapristi akavati, “Takurai bhokisi rechitenderano, vapristi vanomwe vatakure hwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi raTenzi.” Akati kuvanhu, “Chifambai muchitenderera guta iri, varume vakapakata zvombo zvehondo vaende mberi kwebhokisi raTenzi rechitenderano.” Joshuwa paakaudza vanhu izvozvo, vapristi vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe dziya pana Tenzi vakatungamira vachiridza hwamanda idzodzo vachiteverwa nebhokisi raTenzi rechitenderano. Varume vakanga vakapakata zvombo vakaenda pamberi pavapristi vairidza hwamanda, shure kwebhokisi rechitenderano kwaiteverawo vamwe vokuchengetedzako iyo hwamanda ichingodandaura chete. Asi Joshuwa akayambira vanhu achiti, “Musambozhamba zvenyu kana kuwana mumwe wenyu anoti chwe kana kuti zvako muromo bufu kusvikira musi wandichakutii zhambai. Ndopamuchazhamba ipapo.” Saka aiti bhokisi raTenzi ritenderere guta iroro kamwechete vachidzokera zvavo kumatendhe kundorara pamatendhe. Joshuwa aifumomuka rungwanani, vapristi votakura bhokisi raTenzi rechitenderano, vapristi vanomwe vaya vehwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe, vaienda mberi kwebhokisi raTenzi rechitenderano, vachingoridza chete hwamanda. Varume vainge vakapakata zvombo zvehondo vaifamba vari mberi kwavo, shurewo kwebhokisi raTenzi rechitenderano kuchitevera vokuchengetedza shure, iyo ngondo yehwamanda ichingodandaura chete. Nezuva rechipiri vakafamba vachitenderera guta iroro kamwechete, vakadzokera kumatendhe. Ndozvavakaita kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe vakamuka mambakwedza, vakafamba vachitenderera guta irori sezvavaichiita zvimwechetezvo kanomwe. Asi musi iwoyu chete ndiwo wavakatenderera guta iri kanomwe. Vakati zvino vatenderera kechinomwe, vapristi varidzawo hwamanda, Joshuwa akati kuvanhu “Daidzirai nokuti Tenzi aisa guta irori mumaoko enyu.
Joshua 6:1-16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)