Ipapo varume vakati kwaari, “Isu ngatife panzvimbo yenyu, kana musingabudisi pachena basa redu iri; kana Jehovha achitipa nyika iyi, tichakuitira zvakanaka nezvokwadi.” Ipapo akavaburusira pasi nebote napawindo, nokuti imba yake yakanga iri pamusoro porusvingo rweguta, naiye wakanga agere pamusoro porusvingo. Akati kwavari, “Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu.” Zvino varume vakati kwaari, “Hatingasungwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa. Tarira, nguva yatinopinda panyika ino, unofanira kusungira bote iri dzvuku rakakoswa pawindo pawakatiburusira pasi napo; unofanirawo kuunganidza mumba mako baba vako, namai vako, nehanzvadzi dzako, navose veimba yababa vako. Zvino ani naani unobuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pomusoro wake, asi isu hatingavi nemhosva; ani naani unewe mumba mako, ropa rake richava pamusoro pemisoro yedu, kana akaitirwa zvakaipa noruoko rwomunhu. Asi kana ukabudisa pachena basa redu iri, isu hatingasungwi nemhiko yako yawakatipikisa.” Iye akati, “Ngazviitwe sezvamakataura;” akavaendesa, vakabva, iye ndokusungira bote dzvuku pawindo.
Verenga chikamu Joshua 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshua 2:14-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo