Saizvozvowo Kristu haana kuzvikudza iye, achiitwa mupristi mukuru, asi akakudzwa naiye, akati kwaari, “Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakakubereka;” Sezvaanorevawo pane imwe nzvimbo, achiti, “Ndiwe Mupristi nokusingaperi Unorudzi naMerekizedheki.” Iye, pamazuva enyama yake, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari; kunyange aiva Mwanakomana, akadzidza kuteerera nezvaakatambudzika; akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera; akanzi naMwari Mupristi mukuru unorudzi naMerekizedheki.
Verenga chikamu VaHebheru 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 5:5-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo