Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratiya 6:1-10

Vagaratiya 6:1-10 SNA2002

Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa panokumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomwoyo wounyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuedzwawo. Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murayiro waKristu saizvozvo. Nokuti kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera iye. Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaedze basa rake amene, ipapo angazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe. Nokuti munhu mumwe nomumwe achafanira kutakura mutoro wake. Zvino anodzidziswa Shoko, ngaagovane noanodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka. Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti anodyarira nyama yake, achacheka kuora, kunobva panyama; asi anodyarira Mweya, achacheka upenyu husingaperi, hunobva kuMweya. Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo. Zvino zvatine nguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kuna veimba yokutenda.