Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa awa ndiyo imba yose yaIsiraeri. Tarira ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma, tariro yedu yaenda, taparadzwa chose.’ Naizvozvo porofita, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, ndichazarura marinda enyu, ndichakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu; ndichakusvitsai munyika yaIsiraeri. Muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndazarura marinda enyu, ndikakukwidzai mubve mumarinda enyu, imi vanhu vangu. Ndichaisa mweya wangu mukati menyu, murarame, ndichakuisai munyika yenyu; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura ndikazviita,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Verenga chikamu Ezekieri 37
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ezekieri 37:11-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo