Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 6:12-18

VaEfeso 6:12-18 SNA2002

Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navane simba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose. Naizvozvo mirai makasunga zviuno zvenyu nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechipfuva chokururama, makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweVhangeri yorugare; pamusoro paizvozvi makatora nhoo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa. Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro shoko raMwari; munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose

Verenga chikamu VaEfeso 6