VaEfeso 6:12-18
VaEfeso 6:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga. Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire. Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama, uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare. Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa. Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari. Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.
VaEfeso 6:12-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navane simba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose. Naizvozvo mirai makasunga zviuno zvenyu nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechipfuva chokururama, makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweVhangeri yorugare; pamusoro paizvozvi makatora nhoo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa. Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro shoko raMwari; munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose
VaEfeso 6:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti hatisi kurwisana navanhu asi nomweya ine ukuru ukuru, neino ushe nemweya inotonga pasi pose pano pane rima riripo iri uye tiri kurwisana nehondo nehondo dzomweya youipi iri mumatenga'mu. Naizvozvo torai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumira pazuva iroro rinenge rakaipa. Kana marwisa zvakaomarara zvazvo kudaro imi mucharamba makamira. Saizvozvo mirai makazvisunga zviuno zvenyu nechokwadi sebhande makapfeka demautare rapaditi rokururama. Mutsoka dzenyu pfekai shangu dzokuda kuparidza Shoko Rakanaka rorugare uyewo garai nguva dzose makabata nhoo yechitendero yamunogona kudzima nayo miseve yose yomoto yewakaipa. Dzikai mumusoro ruponeso senguwani muine bakatwa raMweya zvichireva Shoko raMwari. Namatai nguva dzose muina Mweya. Itai minamato nemikumbiro. Nechikonzero ichochi garai makangwaririra musingamborasa mwoyo muchikumbirira vatsvene vose.
VaEfeso 6:12-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi naʋaɓati, naʋanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemŋeya yakaipa yeɗeŋga. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, kuti mugone kudziʋisa pazuʋa rakaipa, nokuramba mumire mapedza ɀose. Naiɀoɀo mirai makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu neɀokwaɗi, makapfeka cidzitiro cecifuʋa cokururama, makasuŋga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvaŋgeri yorugare; pamsoro paiɀoɀi makatora nhoʋo huru yokutenda, yamuŋgagona kudzima nayo miseʋe yose yomŋoto yowakaipa. Torai ŋgowani yoruponeso, nomunondo woMŋeya, iro Shoko raMŋari; munyeŋgetere ŋguʋa dzose nokunyeŋgetera kwose nokukumbira muMŋeya, mucirinda paɀinhu iɀi nokutsuŋga kwose nokukumbirira ʋatȿene ʋose
VaEfeso 6:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)