Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 5:13-22

Dhanieri 5:13-22 SNA2002

Ipapo Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Ndiwe uya Dhanieri, wavana vaJudha vakatapwa, wakandotapwa kuvaJudha nababa vangu here? Ndakanzwa zvako, kuti mweya wavamwari uri mukati mako, uye kuti chiedza nezivo nenjere kwadzo zvinowanikwa mauri. Zvino vakachenjera, idzo n’anga vakauyiswa pamberi pangu, kuti varave zvakanyorwa izvi, vandizivise kududzirwa kwazvo; asi vakakoniwa kundizivisa kududzirwa kwechinhu ichi. Asi ndakanzwa, kuti iwe unogona kududzira, nokusunungura pfundo; zvino kana ukagona kurava zvakanyorwa, nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani hwendarama pamutsipa wako, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu.” Ipapo Dhanieri akapindura akati pamberi pamambo, “Garai henyu nezvipo zvenyu, ipai henyu mumwe mibairo yenyu; kunyange zvakadaro ndicharavira mambo zvakanyorwa, nokumuzivisa kududzirwa kwazvo. “Imi mambo, Mwari Wokumusoro‐soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe noukuru, nembiri noumambo; zvino nokuda kwoukuru, hwaakamupa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakadedera nokutya pamberi pake; aiuraya waaida kuuraya, airaramisa waaida kuraramisa, aikwiridza waaida kukwiridza, nokuderedza waaida kuderedza. Asi mwoyo wake wakati uchizvikudza, nomweya wake uchizviomesa, kusvikira achiita manyawi, akabviswa pachigaro chake choushe, vakamutorera kubwinya kwake; akadzingwa pakati pavanakomana vavanhu, mwoyo wake ukaitwa sowemhuka, akandogara nembizi, akadyiswa uswa senzombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, achiupa waanoda. Asi imi Bheshazari mwanakomana wake, hamuna kuzvininipisa nomwoyo wenyu, kunyange makanga muchizviziva zvose

Verenga chikamu Dhanieri 5