Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 3:4-7

Amosi 3:4-7 SNA2002

Ko shumba ingaomba mudondo isina chayakuruma here? Ko shumba duku ingarira mubako rayo isina chayakabata here? Ko shiri ingawira pasi mumusungo paisina kudzikirwa rugombe here? Ko musungo ungaurukira kumusoro usina chawakabata here? Ko hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasatya here? Ko guta ringawirwa nezvakaipa, Jehovha asina kuzviita here? Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.

Verenga chikamu Amosi 3