Mabasa 8:14-18
Mabasa 8:14-18 SNA2002
Zvino vapostori vaiva paJerusaremu, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petirosi naJohani kwavari. Ivo vakaburukirako, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene; nokuti akanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu bedzi. Ipapo vapositori vakaisa maoko avo pamusoro pavo, vakapiwa Mweya Mutsvene. Zvino Simoni akati achiona kuti Mweya Mutsvene apiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akauya kwavari nemari

