Mabasa 8:14-18
Mabasa 8:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vapostori vaiva muJerusarema vakati vanzwa kuti vaSamaria vagamuchira shoko raMwari, vakatumira Petro naJohani kwavari. Vakati vasvika, vakavanyengeterera kuti vagamuchire Mweya Mutsvene, nokuti Mweya Mutsvene akanga asati auya pamusoro paani zvake wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu. Ipapo Petro naJohani vakaisa maoko pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene. Simoni akati aona kuti Mweya Mutsvene waipiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akavapa mari
Mabasa 8:14-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vapostori vaiva paJerusaremu, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petirosi naJohani kwavari. Ivo vakaburukirako, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene; nokuti akanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu bedzi. Ipapo vapositori vakaisa maoko avo pamusoro pavo, vakapiwa Mweya Mutsvene. Zvino Simoni akati achiona kuti Mweya Mutsvene apiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akauya kwavari nemari
Mabasa 8:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vapositori vaiva kuJerusaremu pavakanzwa kuti Samaria yakanga yagamuchira Shoko raMwari vakavatumira Pita naJohani. Vakadzika vakavanamatira kuti vagashire Mweya Mutsvene nokuti Mweya Mutsvene akanga asati aburukira panaani zvake wavo; asi vakanga vangoombekwa chete muzita raTenzi Jesu. Vakaisa maoko avo pavari vakagamuchira Mweya Mutsvene. Simoni paakaona kuti Mweya waipiwa nokuiswa kwamaoko avapositori pavanhu akavapa mari achiti
Mabasa 8:14-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaapostora ʋaiʋa paJerusarema, ʋakati ʋanzwa kuti ʋaSamaria ʋakaŋga ʋagamucira shoko raMŋari, ʋakatuma Petro naJohane kwaʋari. Iʋo ʋakaɓurukira’ko, ʋakaʋanyeŋgeterera kuti ʋapiwe Mŋeya Mutȿene; nokuti wakaŋga asina‐kuɓurukira pamsoro pomumŋe waʋo; ʋakaŋga ʋaŋgobapatidzwa muzita raShe Jesu ɓedzi. Ipapo ʋakaisa maʋoko aʋo pamsoro paʋo, ʋakapiwa Mŋeya Mutȿene. Ɀino Simoni wakati aciʋona kuti Mŋeya Mutȿene wapiwa nokuiswa kwamaʋoko aʋaapostora, akaʋuya kwaʋari nemari
Mabasa 8:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)