Mabasa 4:31-35
Mabasa 4:31-35 SNA2002
Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana ikazununguswa; vakazadzwa vose naMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi. Zvino vazhinji vose vavaitenda vaiva nomwoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusina mumwe aiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose. Vapostori vaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru; nyasha huru ikavapo pamusoro pavo vose. Nokuti pakanga pasina aishaiwa pakati pavo, nokuti vose vaiva neminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauya nomutengo wezvakatengeswa, vakazviisa pamberi pavapostori; mumwe nomumwe akagoverwa paakashayiwa napo.


