Mabasa 2:1-6
Mabasa 2:1-6 SNA2002
Zvino zuva rePendekositi rakati rasvika, vakanga vakaungana vose pamwechete panzvimbo imwechete. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaonawo marimi achiparadzana, anenge emoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa naMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo naMweya kureva. Zvino paJerusaremu pakanga pagere vaJudha, varume vakarutama, vaibva kumarudzi ose pasi pedenga. Zvino kutinhira uku kwakati kwanzwika, vanhu vazhinji vakaungana, vakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa, vachitaura norurimi rwake.


