Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 1:1-14

Mabasa 1:1-14 SNA2002

Teofiro, ndakanyora rugwaro rwokutanga rwezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu, kusvikira zuva raakakwidzwa, amborayira naMweya Mutsvene vapostori vaakanga atsanangura. Akazviratidzawo kwavari nezviratidzo zvizhinji, ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, achionekwa navo mazuva ana makumi mana, achitaura zvoushe hwaMwari; akavarayira, aungana navo, kuti varege kubva Jerusaremu, asi vagarire chipikirwa chaBaba, achiti, chiya chamakanzwa kwandiri; nokuti Johani, zvirokwazvo, akabhabhatidza nemvura; asi imi muchabhabhatidzwa naMweya Mutsvene, mazuva mazhinji asati apera. Zvino ivo, vakati vaungana, vakamubvunza, vachiti, “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsiraeri nenguva ino here?” Akati kwavari, “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo. Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu muJerusaremu, nomuJudhea yose, nomuSamaria, kusvikira kumugumo wenyika.” Zvino akati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitaririra; gore rikamubvisa, vakasazomuona. Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamira navo vakafuka nguo chena; ivo vakati, “Imi varume veGariria, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, akabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, achauya saizvozvo, sezvamamuona achienda kudenga.” Zvino vakadzokera Jerusaremu, vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi, riri pedyo neJerusaremu, nhambo yorwendo rewSabata. Vakati vapinda, vakakwira muimba yaiva pamusoro, pavakanga vagere, vaiti: Petirosi, naJohani, naJokobho, naAndireya, naFiripi, naTomasi, naBhatoromeo, naMateu, naJakobho, mwanakomana waArifeo, naSimoni Zeroti, naJudhasi, mwanakomana waJakobho. Ava vose vakatsungirira nomwoyo mumwe pakunyengetera, vana vakadzi, naMaria, mai vaJesu, navanun'una vake.

Verenga chikamu Mabasa 1