Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Timoti 4:10-16

2 Timoti 4:10-16 SNA2002

Nokuti Dhemasi akandisiya, akada nyika yazvino, akaenda Tesaronika; Kiresenzi akaenda Garatiya, naTito akaenda Dharimatia. Ruka oga aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo pabasa. Asi Tikiko ndakamutuma Efeso. Nguo yandakasiya paTiroa kuna Karipo, uuye nayo pakuuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatehwe. Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva paakaita napo; newewo umuchenjere, nokuti akadzivisa zvikuru mashoko edu. Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga kwakanga kusina munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi.

Verenga chikamu 2 Timoti 4