Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaTesaronika 4:3-7

1 VaTesaronika 4:3-7 SNA2002

Nokuti kuda kwaMwari ndihwo utsvene hwenyu, murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake noutsvene nokukudzwa, asingaiti nokukara kwokuchiva, savahedheni, vasingazivi Mwari; munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi, nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvinhu izvozvo zvose, sezvatakakuudzaiwo nokukupupurirai kwazvo. Nokuti Mwari haana kutidanira tsvina, asi utsvene.