Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 8:12-30

ƲaRoma 8:12-30 SUB1949

Naiɀoɀo, hama dzangu, hatineŋgaʋa nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama. Nokuti kana mucifamba netsika dzenyama, mucafa; asi kana muciʋuraya maɓasa omuʋiri noMŋeya, mucararama; nokuti ʋose ʋanotuŋgamirirwa noMŋeya waMŋari, ndiʋo ʋana ʋaMŋari. Nokuti hamuna‐kupiwa mŋeya woʋuranda kuti mutye ɀe, asi makapiwa mŋeya wokuitwa ʋana, watinoɗana nawo, ticiti: Aba, Ƃaɓa. Mŋeya amene unopupurirana nomŋeya weɗu, kuti tiri ʋana ʋaMŋari; ɀino kana tiri ʋana, tiri ʋadyi ʋenhaka; ʋadyi ʋenhaka yaMŋari, ʋadyi ʋenhaka pamŋe cete naKristu; kana ticitambudzika pamŋe cete naye, tigokudzwa ʋo pamŋe cete naye. Nokuti ndinoti maɗambudziko eŋguʋa ino haana‐kufanira kuenzaniswa nokubginya kucazoratidzwa kwatiri. Nokuti ɀisikwa ɀinotarisisa ɀikuru ɀicimirira kuratidzwa kwaʋanakomana ʋaMŋari. Nokuti ɀisikwa ɀakaiswa pasi peɀisiŋgagari, ɀisiŋgaɗi haɀo, asi nokuɗa kwaiye wakaɀiisa pasi paɀo, ɀicitarira kuti ɀisikwa ɀimene ɀisunuŋgurwe ʋo paʋuranda bgokuʋora, ɀiiswe pakusunuŋgurwa kwokubginya kwaʋana ʋaMŋari. Nokuti tinoziʋa kuti ɀisikwa ɀose ɀinogomera nokurwadziwa pamŋe cete kuȿikira ɀino. Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi nesu ʋo, kunyaŋge tineɀiɓereko ɀokutaŋga ɀoMŋeya, nesu timene tinogomera mukati meɗu, ticimirira kuitwa kweɗu ʋana, ndiko kudzikinurwa kwomuʋiri weɗu. Nokuti takaponeswa netariro; asi tariro inoʋonekwa, haizi tariro; nokuti ndiani unotarira caanoʋona? Asi kana ticitarira catisiŋgaʋoni, tinocimirira nokutsuŋgirira. Saiɀoɀo Mŋeya unoɓatirana ʋo nokusaʋa‐nesimba kweɗu; nokuti hatiziʋi kunyeŋgetera ɀakafanira; asi Mŋeya amene unotinyeŋgeterera nokugomera kusiŋgataurwi; uyo unonɀera mŋoyo, ndiye unoziʋa kufuŋga kwoMŋeya, nokuti unonyeŋgeterera ʋatȿene seɀinoɗa Mŋari. Tinoziʋa kuti ɀinhu ɀose ɀinoɓatirana kuti ɀiitire ɀakanaka aʋo ʋanoɗa Mŋari, aʋo ʋakaɗanwa seɀaakafuŋga. Nokuti ʋaakaziʋa kare, ndiʋo ʋaakatemera ʋo kare, kuti ʋafanane nomufananidzo woMŋanakomana wake, kuti aʋe ɗaŋgwe pakati pehama zhinji; aʋo ʋaakatemera kare, ndiʋo ʋaakaɗana ʋo; ʋaakaɗana, ndiʋo ʋaakaruramisa ʋo; ʋaakaruramisa, ndiʋo ʋaakakudza ʋo.

Verenga chikamu ƲaRoma 8