Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 139:1-10

Mapisarema 139:1-10 SUB1949

Jehova, imi makandinɀera, nokundiziʋa. Munoziʋa kugara kwaŋgu pasi nokusimuka kwaŋgu, Munonzwisisa kufuŋga kwaŋgu muri kure. Munocerekedza kufamba kwaŋgu nokuʋata kwaŋgu pasi, Munoziʋa nzira dzaŋgu dzose. Nokuti shoko risati raʋa’po parurimi rwaŋgu, Tarirai, imi Jehova, matoriziʋa rose. Makandikomberedza shure kwaŋgu nemberi, Nokuisa ruʋoko rwenyu pamsoro paŋgu. Kuziʋa kwakaɗai kunondishamisa kwaɀo; Ɀiri kumsoro, handigoni kuȿikira kwaɀiri. Ndiŋgaendepiko ndibve pamŋeya wenyu? Kana ndiŋgatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kuɗeŋga muri’po; Kana ndikaɀiwarira nhoʋo paSheori, tarirai muri’po ʋo. Kana ndikabururuka namapapiro amaŋgwanani, Ndikandogara pamigumo yeguŋgwa; Naipapo ʋo ruʋoko rwenyu rucandifambisa, Ruʋoko rwenyu rworudyi rucandifambisa