Jehova, imi makandinɀera, nokundiziʋa. Munoziʋa kugara kwaŋgu pasi nokusimuka kwaŋgu, Munonzwisisa kufuŋga kwaŋgu muri kure. Munocerekedza kufamba kwaŋgu nokuʋata kwaŋgu pasi, Munoziʋa nzira dzaŋgu dzose. Nokuti shoko risati raʋa’po parurimi rwaŋgu, Tarirai, imi Jehova, matoriziʋa rose. Makandikomberedza shure kwaŋgu nemberi, Nokuisa ruʋoko rwenyu pamsoro paŋgu. Kuziʋa kwakaɗai kunondishamisa kwaɀo; Ɀiri kumsoro, handigoni kuȿikira kwaɀiri. Ndiŋgaendepiko ndibve pamŋeya wenyu? Kana ndiŋgatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kuɗeŋga muri’po; Kana ndikaɀiwarira nhoʋo paSheori, tarirai muri’po ʋo. Kana ndikabururuka namapapiro amaŋgwanani, Ndikandogara pamigumo yeguŋgwa; Naipapo ʋo ruʋoko rwenyu rucandifambisa, Ruʋoko rwenyu rworudyi rucandifambisa
Verenga chikamu Mapisarema 139
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 139:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo