Hareruya.
Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka;
Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.
Ndianiko uŋgareʋa ɀinhu ɀinesimba ɀakaitwa naJehova,
Kana kuɗudzira kurumbidza kwake kwose?
Ʋakaropafadzwa ʋanoceŋgeta kururama,
Naiye unoita ɀakarurama ŋguʋa dzose.
Ndiraŋgarirei Jehova, noʋunyoro bgamunabgo kuʋanhu ʋenyu;
Ndishanyirei noruponeso rwenyu.
Kuti ndiʋone kukomborerwa kwaʋasanaŋgurwa ʋenyu,
Kuti ndifare kwaɀo nomufaro waʋanhu ʋenyu,
Kuti ndirumbidze pamŋe cete nenhaka yenyu.
Takatadza pamŋe cete namadziɓaɓa eɗu,
Takaita ɀisina‐kururama, takaita ɀakaipa.
Madziɓaɓa eɗu haana‐kunzwisisa ɀishamiso ɀenyu paEgipita;
Haana‐kuraŋgarira ŋgoni dzenyu zhinji;
Asi ʋakakumukirai paguŋgwa, ipo paGuŋgwa Dɀuku.
Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaʋaponesa nokuɗa kwezita rake,
Kuti aziʋise simba rake guru.
Wakaraira ʋo Guŋgwa Dɀuku, rikapxa,
Akaʋafambisa pakadzika sapaneŋge paɓani.
Akaʋaponesa paruʋoko rwowaiʋaʋeŋga.
Akaʋadzikinura paruʋoko rwomuʋeŋgi.
Mvura zhinji yakafukidza ʋadziʋisi ʋaʋo;
Kwakaŋga kusina‐nomumŋe waʋo wakasara.
Ipapo ʋakatenda mashoko ake;
Ʋakaimba ʋacimurumbidza.
Ʋakacimbidzika kukaŋganwa maɓasa ake;
Haʋana‐kurindira zano rake.
Asi ʋakaciʋa kwaɀo‐kwaɀo murenje,
Ʋakaidza Mŋari muciwunde.
Akaʋapa caʋakakumbira;
Asi wakatuma kuwonda mumŋeya yaʋo.
Ʋakagoɗora Mosesi pamisasa,
NaAroni, mutȿene waJehova.
Pasi pakashama pakamedza Datani,
Pakafukidza ɓoka raAbirami.
Mŋoto ukapfuta pakati peɓoka raʋo;
Muraɀo ukapisa ʋakaipa.
Ʋakaita mhuru paHorebi,
Ʋakanamata mufananidzo wakaʋumbga.
Ʋakatsinhana saiɀoɀo kubginya kwaʋo
Nomufananidzo weŋombe, inocera ɓundo.
Ʋakakaŋganwa Mŋari muponesi waʋo,
Wakaita ɀinhu ɀikuru paEgipita;
Maɓasa anoshamisa munyika yaHamu,
Neɀinhu ɀinotyisa paGuŋgwa Dɀuku.
Saka wakati: Ndinoɗa kuʋaparadza;
Ƌai Mosesi musanaŋgurwa wake asina‐kumira pamberi pake ipo pakaputsika,
Kuti adzore kutsamŋa kwake, arege kuʋaparadza.
Ɀirokwaɀo, ʋakaɀidza nyika inofadza,
Haʋana‐kutenda shoko rake;
Asi ʋakanyunyuta mumatente aʋo,
Ʋakasaterera inzwi raJehova.
Saka wakaʋasimudzira ruʋoko rwake.
Kuti aʋaparadze murenje;
Ʋuye kuti aparadze ʋana ʋaʋo pakati paʋahedeni.
Aʋaparadzire panyika dzose.
Ʋakaɀiɓatanidza ʋo naBaari‐peori,
Ʋakadya ɀakaɓayirwa ʋakafa.
Naiɀoɀo ʋakamutsamŋisa neɀaʋakaita;
Ƌenda ndokupinda pakati paʋo.
Ipapo Pinehasi akasimuka, akaita ɀakarurama;
Ƌenda ndokuguma.
Iɀoɀo ɀikanzi kwaari kururama,
Kuȿikira kumarudzi namarudzi nokusiŋgaperi.
Ʋakamutsamŋisa ʋo pamvura zhinji yeMeriba,
Naiɀoɀo Mosesi akaʋoneswa nhamo nokuɗa kwaʋo;
Nokuti ʋakamukira mŋeya wake,
Iye akataura nehasha nemiromo yake.
Haʋana‐kuparadza ndudzi dzaʋanhu,
Seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova;
Asi ʋakaveŋgana naʋahedeni,
Ʋakadzidza maɓasa aʋo;
Ʋakashumira ɀifananidzo ɀaʋo;
Iɀo ɀikaʋa musuŋgo kwaʋari.
Ɀirokwaɀo, ʋakaɓayira mŋeya yakaipa ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo,
Ʋakateʋura ropa risinemhoȿa, iro ropa raʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo,
Ʋakaʋaɓayira ɀifananidzo ɀeKanani;
Nyika ikaȿiɓiswa neropa.
Ʋakaȿiɓiswa saiɀoɀo namaɓasa aʋo,
Ʋakapata paneɀaʋakaita.
Saka kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋanhu ʋake,
Akasema nhaka yake.
Akaʋaisa muruʋoko rwaʋahedeni;
Ʋakaʋaʋeŋga ndiʋo ʋaiʋaɓata.
Ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋamanikidza ʋo,
Ʋakaiswa pasi poruʋoko rwaʋo.
Wakaʋarwira kazhinji,
Asi ʋakamumukira pakuraŋgana kwaʋo,
Ʋakanyudzwa muɀakaipa ɀaʋo.
Kunyaŋge ɀakaɗaro wakatarira kutambudzika kwaʋo,
Paŋguʋa yaakanzwa kucema kwaʋo;
Akaraŋgarira suŋgano yake nokuɗa kwaʋo,
Akaɀiɗemba nokuɗa kwokuwanda kweŋgoni dzake.
Akaʋanzwisa ʋo tsitsi
Naʋose ʋakaŋga ʋaʋatapa.
Tiponesei, Jehova Mŋari weɗu,
Tiʋuŋganidzei, tibve pakati paʋahedeni,
Kuti tiʋoŋge zita renyu dɀene,
Tifarisise pakukurumbidzai.
Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe,
Kubva pakusiŋgaperi kuȿikira pakuȿiŋgaperi.
Ʋanhu ʋose ŋgaʋati: Ameni.
Hareruya.