Imi ʋanakomana, inzwai kurairira kwaɓaɓa ʋenyu; Tererai, muziʋe njere. Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murairo waŋgu. Nokuti ini ndakaŋga ndiri mŋanakomana kunaɓaɓa ʋaŋgu, Mŋana wakaɗikanwa kwaɀo, mumŋe woga pamberi pamai ʋaŋgu; Iʋo ɓaɓa ʋakandidzidzisa, ʋakati kwandiri: Mŋoyo wako ŋgaunatso‐ɓata mashoko aŋgu; Ceŋgeta mirairo yaŋgu, urarame. Ɀiwanire ʋucenjeri, ɀiwanire njere; Rega kukaŋganwa kana kutsauka pamashoko omuromo waŋgu; Usaʋurasha, ʋugokuceŋgeta; Uʋuɗe, ʋugokurinda. Ʋucenjeri cinhu cikuru kuneɀose; saka uɀiwanire ʋucenjeri; Uɀiwanire njere neɀose ɀaunaɀo. Uʋukudze, ʋugokukwiridza iwe; Ʋucakuʋigira kukudzwa, kana uciʋumbundikira. Ʋucapa musoro wako cishoŋgo cakanaka; Ʋucakuisira korona inobginya. Cinzwa iwe mŋanakomana waŋgu, ugamucire ɀandinoreʋa; Makore oʋupenyu bgako agoʋa mazhinji. Ndakakudzidzisa panzira yoʋucenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama.
Verenga chikamu Ɀireʋo 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 4:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo