Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaFiripi 2:1-30

ƲaFiripi 2:1-30 SUB1949

Ɀino kana kuʋaraidzwa kuri’po kunaKristu, kana kunyaradza kworuɗo, kana kuyanana kwoMŋeya, kana mŋoyo munyoro nokunzwira tsitsi, zadzisai mufaro waŋgu, muʋe nokufuŋga kumŋe, muciʋa noruɗo rumŋe, nomŋeya mumŋe, nendaŋgariro imŋe, musiŋgaiti cinhu nenharo, kana nokuɀikudza, asi mumŋe nomumŋe ŋgaati nomŋoyo unoɀininipisa, ʋamŋe ʋanomupfuʋura iye pakunaka; mumŋe nomumŋe ŋgaarege kutarira ɀake, asi ŋgaatarire ɀaʋamŋe ʋo. Iʋai nomŋoyo uyo, wakaŋga uri munaKristu Jesu ʋo; iye, kunyaŋge akaŋga akafanana naMŋari, haana‐kuti kuenzana naMŋari ndicinhu cinofanira kuɓatisiswa; asi wakaɀiɗurura iye, akaɀiita muranda, akafanana naʋanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akaɀininipisa, akaterera kuȿikira parufu, irwo rufu rwomucinjikwa. Saka Mŋari wakamukudza ɀikuru, akamupa zita rinopfuʋura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, aʋari kuɗeŋga naʋari panyika, naʋari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mŋari, Ƃaɓa, arumbidzwe. Naiɀoɀo, ʋaɗikanwa ʋaŋgu, seɀamakaterera ŋguʋa dzose, ndisati ndiri’po ɓedzi, asi ɀikuru ɀino kana ndisi’po, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokuɗeɗera; nokuti ndiye Mŋari unoita mukati menyu kuɗa nokuita nokuɗa kwake kwakanaka. Itai ɀose musiŋganyunyuti, musinenharo; kuti muʋe ʋanhu ʋasina‐caʋaŋgapomerwa, naʋasina‐kusarurama, ʋana ʋaMŋari ʋasinemhoȿa pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka, rwamunoʋonekwa pakati parwo seɀiedza panyika; makaɓatisisa shoko roʋupenyu, kuti ndiʋe necandiŋgaɀirumbidza naco nezuʋa raKristu, ndiziʋe kuti handina‐kumhanya pasina, kana kuɓata pasina. Kunyaŋge ndikaɗururwa pamsoro peciɓayiro nokushumira kwokutenda kwenyu, ndinofara nokufarisisa nemi mose. Nokuɗa kwaiɀoɀo nemi ʋo mufare nokufarisisa neni. MunaShe Jesu ndinoti ndicakurumidza kutuma Timotio kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa ɀenyu. Nokuti handinomumŋe munhu unomŋoyo wakaita sowake, ucaʋa nehanya kwaɀo neɀenyu. Nokuti ʋose ʋanoɀitȿakira ɀaʋo, ɀisati ɀiri ɀaKristu Jesu. Asi munoziʋa kutendeka kwake, kuti wakaɓata pamŋe cete neni paEvaŋgeri, somŋana unoɓatira ɓaɓa ʋake. Ɀino ndiye wandinoti ndicatuma kwamuri pakarepo, kana ndaʋona kuti ɀaŋgu ɀakaɗini; asi ndinotenda munaShe kuti neni ʋo ndimene ndicakurumidza kuʋuya. Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama yaŋgu, nomuɓatsiri waŋgu pamaɓasa napakurwa, nhume yenyu nomushumiri waŋgu pakushaiwa kwaŋgu; ɀaakaŋga acikushuʋai ɀikuru imi mose, akatambudzika kwaɀo, nokuti imi makaŋga manzwa kuti unorwara. Nokuti wakaŋga acirwara kwaɀo, ari pakufa; asi Mŋari wakamunzwira tsitsi; asati ari iye ɓedzi, asi neni ʋo, kuti ini ndirege kuwedzerwa nhamo pamsoro penhamo. Naiɀoɀo ndakashiŋgaira kumutuma kwamuri, kuti mumuʋone, mufare ɀe, neni ndirege kuʋa nenhamo. Naiɀoɀo mumugamucirei munaShe nomufaro wose, ʋuye mukudze ʋakaɗai; nokuti nokuɗa kweɓasa raKristu wakaŋga oɗo‐kufa, akasaraŋgarira ʋupenyu bgake, aciɗa kukwanisa pamakaŋga musiŋgagoni kundishumira imi.

Verenga chikamu ƲaFiripi 2