Ʋakaropafadzwa ʋanotambudzwa nokuɗa kwokururama; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋo. Makaropafadzwa imi, kana ʋacikuɀidzai, ʋacikutambudzai, ʋacikupomerai ɀakaipa ɀose nenhema, nokuɗa kwaŋgu. Farai, mufarise kwaɀo; nokuti muɓairo wenyu mukuru kuɗeŋga; nokuti ʋakatambudza saiɀoɀo ʋaprofita ʋakakutaŋgirai. Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu waɗuruŋgunda, ucaruŋgwa neiko? Haucaɓatsiri cinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe naʋanhu. Imi muri ciedza cenyika. Guta rakaʋakwa pagomo hariŋgaʋanziki. Nomŋenje haʋaŋgautuŋgidzi, ʋakauisa pasi peɗeŋgu, asi pacigadziko, uvenekere ʋose ʋari mumba. Saiɀoɀo ciedza cenyu ŋgacivenekere pamberi paʋanhu, kuti ʋaʋone maɓasa enyu akanaka, ʋakudze Ƃaba ʋenyu ʋari kuɗeŋga.
Verenga chikamu Mateo 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 5:10-16
21 Days
Start your new year with a focus on the spiritual discipline of fasting. This plan includes several passages about fasting and others that encourage reflection and closeness to God. For 21 days, you'll get a daily Bible reading, a brief devotional, reflection questions, and a prayer focus. For more content, check out www.finds.life.church.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo