Mateo 3:1-17
Mateo 3:1-17 SUB1949
Namazuʋa iwayo Johane mubapatidzi wakaʋuya aciparidza parenje reJudea, aciti: Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bg sweɗera pedyo. Nokuti uyu ndi wakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Inzwi rounoɗana murenje: Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake. Iye Johane waiʋa neŋguʋo yamakushe ekamera, nebanhire reganda paciʋuno cake; ɀokudya ɀake ɀaiʋa mhashu noʋuci bgeɓundo. Ɀino ʋeJerusarema neJudea rose ʋakaɓuɗira kwaari, nenyika yose yapaJordani; ʋakabapatidzwa naye murwizi rwaJoridani ʋaciɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo. Asi wakati aciʋona ʋazhinji ʋaʋaFarise naʋaSaduse ʋaciʋuya kuzobapatidzwa, akati kwaʋari: Ʋana ʋenyoka, ndianiko wakakunyeʋerai kuti mutize kutsamŋa kunoʋuya? Naiɀoɀo ɓerekai ɀiɓereko ɀakafanira kutendeʋuka. Musafuŋga kutaura mumŋoyo menyu, muciti: Abrahama ndiɓaɓa ʋeɗu; nokuti ndinoti kwamuri, Mŋari uŋgamutsira Abrahama ʋana pamabge awa. Ɀino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; saka muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto. Ini ndinokubapatidzai nemvura, mutendeʋuke; asi unoʋuya shure kwaŋgu, unesimba, kupfuʋureni, uyo wandisakafanira kutakura shaŋgu dzake; iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene nomŋoto. Rusero rwake ruri muruʋoko rwake; ucanatsa ɓuriro rake kwaɀo; ucaʋuŋganidzira ɀiyo muɗura, asi hundi ucaipisa mumŋoto usiŋgadzimŋi. Ɀino Jesu wakabva Garirea, akaȿika paJoridani kunaJohane kuzobapatidzwa naye. Asi Johane wakaidza kumudziʋisa, akati: Ndini ndinofanira kubapatidzwa nemi, ko moʋuya kwandiri sei? Asi Jesu wakapindura, akati kwaari: Cirega hako ɀino, nokuti saiɀoɀo ɀakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega. Jesu, wakati abapatidzwa, pakarepo akaɓuɗa mumvura; ɀino, tarira, ɗeŋga rakamuzarurirwa, akaʋona Mŋeya waMŋari aciɓuruka senjiʋa, akaʋuya pamsoro pake. Ɀino tarira, inzwi rakabva kuɗeŋga, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira!

