Neŋguʋa iyo ʋaiʋa nomusuŋgwa wakakurumbira, wainzi Barabasi. Naiɀoɀo ʋakati ʋaʋuŋgana, Pirato akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei aniko? Barabasi, kana Jesu, unonzi Kristu? Nokuti wakaŋga aciziʋa kuti ʋakaŋga ʋamuisa kwaari negoɗo. Ɀino wakati agere pacigaro cokutoŋga, mukadzi wake akatumira kwaari, aciti: Usaʋa nemhaka nomunhu uyo wakarurama; nokuti ndakatambudzika ɀikuru nhasi pakurota nokuɗa kwake. Ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋakagombedzera ʋanhu ʋazhinji kuti ʋakumbire Barabasi, Jesu aʋurawe. Muɓati akapindura, akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei aniko kunaiʋaʋo ʋaʋiri? Ʋakati: Barabasi. Pirato akati kwaʋari: Ndicagoiteiko naJesu, unonzi Kristu? Ʋose ʋakati kwaari: Ŋgaaroʋerwe pamucinjikwa. Iye akati: Cakaipa caakagoita ndeceiko? Ʋakanyanyisa kuɗanidzira, ʋaciti: Ŋgaaroʋerwe pamucinjikwa! Ɀino Pirato, aciʋona kuti haɀiɓatsiri, asi kuti pomuka ɓope, wakatora mvura, akashamba maʋoko ake pamberi paʋanhu ʋazhinji, aciti: Handinemhaka neropa romunhu uyu wakarurama; mhaka yenyu! Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋakati: Ropa rake ŋgariʋe pamsoro peɗu napaʋana ʋeɗu. Ɀino akaʋasunuŋgurira Barabasi, asi Jesu wakamuroʋesa kwaɀo, akamuisa kwaʋari, kuti aroʋerwe pamucinjikwa.
Verenga chikamu Mateo 27
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 27:16-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo