Munoziʋa kuti kana mazuʋa maʋiri apfuʋura paseka inoȿika, Mŋanakomana womunhu ucaiswa kuʋatoŋgi, kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋaprista ʋakuru, naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuŋgana muruʋazhe rwomuprista mukuru, wainzi Kayafasi. Ʋakaraŋgana kuti ʋaɓate Jesu namano, ʋagomuʋuraya. Asi ʋakati: Ɀirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuʋa neɓope pakati paʋanhu.
Verenga chikamu Mateo 26
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 26:2-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo