Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 2:13-18

Mateo 2:13-18 SUB1949

Ʋakati ʋaenda, tarira, mutumŋa waShe wakaʋonekwa naJosefa pakurota, aciti: Simuka, utore mŋana namai ʋake, utizire Egipita, ugare’ko kuȿikira ndicikuʋudza; nokuti Herode ucatȿaka mŋana kuti amuʋuraye. Akasimuka, akatora mŋana namai ʋake ʋusiku, akaenda Egipita, akagara’ko kuȿikira Herode afa, kuti ɀiitike ɀakarebga naShe nomuromo womuprofita, aciti: Ndakaɗana mŋanakomana waŋgu abve Egipita. Ɀino Herode, wakati aʋona kuti wanyeŋgerwa naʋacenjeri, akatsamŋa kwaɀo‐kwaɀo; akatuma ʋanhu kundoʋuraya ʋana ʋaʋakomana ʋose ʋaiʋa muBetrehema napanyika yose yakapotereka, ʋaiʋa namakore maʋiri naʋaɗuku kwaʋari, iri ŋguʋa yaakanzwisisa kuʋacenjeri. Ɀikaitika ɀakarebga nomuprofita Jeremia, aciti: Inzwi rakanzwika muRama, Rokucema nokurira kukuru; Rakeri acicema ʋana ʋake, Asiŋgaɗi kunyaradzwa, nokuti haʋaci’po.

Verenga chikamu Mateo 2