Ɀino ʋakaisa kwaari munhu waiʋa nomŋeya wakaipa, raiʋa ɓofu nembeʋeʋe; akamuporesa, naiɀoɀo mbeʋeʋe yakataura nokuʋona ʋo. Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakashamiswa, ʋakati: Ko uyu haazi mŋanakomana waDavidi here? Ɀino ʋaFarise ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati: Munhu uyu haaɓuɗisi mŋeya yakaipa, asi naBeerzeburi, mucinda wemŋeya yakaipa. Ɀino Jesu aciziʋa kufuŋga kwaʋo, akati kwaʋari: Ʋushe bgumŋe nobgumŋe bgunoɀipesanisa, bgunoparadzwa; neguta kana imba inoɀipesanisa, haiŋgamiri. NaSatani kana aciɓuɗisa Satani, unoɀipesanisa; ʋushe bgake bgucamira seiko? Neni, kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, ko ʋanakomana ʋenyu ʋanoiɓuɗisa nani? Saka iʋo ʋacaʋa ʋatoŋgi ʋenyu. Asi kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa noMŋeya waMŋari, ipapo ʋushe bgaMŋari bgaȿika kwamuri. Munhu uŋgapinda seiko paimba younesimba, akatora nhumbi dzake, kana asati ambosuŋga iye unesimba? Ipapo ucaparadza imba yake. Usi neni, unopesana neni, nousiŋgaʋuŋganidzi neni, unoparadza. Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Ʋanhu ʋacakaŋganwirwa ɀiʋi ɀose nokumhura, asi kumhura Mŋeya, haʋaŋgakukaŋganwirwi. Aninani unotaura shoko rakaipa kuMŋanakomana womunhu, ucakaŋganwirwa; asi unotaura shoko rakaipa kuMŋeya Mutȿene, haaŋgakaŋganwirwi, kana paŋguʋa ino, kana kuneinoʋuya. Itai muti uʋe wakanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀakanaka ʋo; kana itai muti uʋe wakaipa, neɀiɓereko ɀawo ɀakaipa ʋo; nokuti muti unozikanwa neɀiɓereko ɀawo. Imi, ɀiɓereko ɀenyoka, muŋgagona seiko kutaura ɀinhu ɀakanaka, ɀamuri ʋakaipa? Nokuti muromo unotaura ɀizere pamŋoyo. Munhu wakanaka unoɓuɗisa ɀinhu ɀakanaka pafuma yake yakanaka; nomunhu wakaipa unoɓuɗisa ɀinhu ɀakaipa pafuma yake yakaipa. Ndinoti kwamuri: Shoko rimŋe nerimŋe risinamaturo, rakarebga naʋanhu, ʋacaɀiɗaʋirira pamsoro paro nezuʋa rokutoŋga. Nokuti namashoko ako ucaruramiswa, ʋuye namashoko ako ucagurwa.
Ɀino ʋamŋe ʋanyori naʋaFarise ʋakapindura, ʋakati: Mudzidzisi, tinoɗa kuʋona ciratidzo kwamuri. Akapindura, akati kwaʋari: Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo comuprofita Jona. Nokuti Jona seɀaakaʋa muɗumbu rehoʋe huru mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu ucaʋa mumŋoyo wenyika mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu. Ʋarume ʋeNinivi ʋacasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ʋacarupa mhoȿa, nokuti ʋakatendeʋuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano. Mambokadzi weZasi ucasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ucarupa mhoȿa, nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kucenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano.