Ruka 24:45-48
Ruka 24:45-48 SUB1949
Ipapo akadziʋura kuziʋa kwaʋo, kuti ʋanzwisise Magwaro. Akati kwaʋari: Ndiɀo ɀakanyorwa, kuti Kristu ucatambudzika, agomuka kuʋakafa nezuʋa retatu; kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeʋuka nokukaŋganwirwa ɀiʋi, ʋacitaŋga paJerusarema. Imi muri ɀapupu ɀeɀinhu iɀi.

