Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:26-80

Ruka 1:26-80 SUB1949

Nomŋedzi wecitanhatu mutumŋa Gabrieri wakatumŋa naMŋari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta, kumhandara yakaŋga yanyeŋgwa nomurume, wainzi Josefa, weimba yaDavidi; zita remhandara rainzi Maria. Mutumŋa akapinda kwaari, akati: Kwaziwa, iwe wakaropafadzwa, Ishe unewe! Iye akavunduswa kwaɀo neshoko iro, akafuŋga kuti kukwazisa kwakaɗaro ndokweiko. Ipapo mutumŋa akati kwaari: Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMŋari. Tarira, ucaʋa nemimba, ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye ucaʋa mukuru, ucanzi Mŋanakomana woWokumsoro‐soro; Ishe Mŋari ucamupa cigaro coʋushe caɓaɓa ʋake Davidi. Ucaɓata imba yaJakobo nokusiŋgaperi, noʋushe bgake habguŋgaʋi nomugumo. Ipapo Maria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ɀiŋgaʋa seiko, ɀandisiŋgaziʋi murume? Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Mŋeya Mutȿene ucaʋuya pamsoro pako, nesimba roWokumsoro‐soro ricakufukidza; saka ico citȿene cicaɓerekwa cicanzi: Mŋanakomana waMŋari. Ʋuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye waʋa nemimba ʋo yomŋanakomana pakucembera kwake; mŋedzi uno waʋa wecitanhatu kunaiye wainzi haaɓereki. Nokuti hakuneshoko raMŋari ricashaiwa simba. Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe haŋgu seɀamataura. Mutumŋa akabva kwaari. Namazuʋa iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudea; akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erisabete. Ɀino Erisabete wakati acinzwa kukwazisa kwaMaria, mŋana akakwakuka muɗumbu rake; ipapo Erisabete akazadzwa noMŋeya Mutȿene, akaɗana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati paʋakadzi, neciɓereko ceɗumbu rako cakaropafadzwa! Ɀaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai ʋaShe waŋgu? Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati riciȿika munzeʋe dzaŋgu, mŋana akakwakuka nomufaro muɗumbu raŋgu. Wakaropafadzwa iye mukadzi wakatenda, nokuti ɀakataurwa naShe kwaari ɀicaitika. Maria akati: Mŋoyo waŋgu unokudza Ishe, Mŋeya waŋgu wakafara naMŋari, Muponesi waŋgu; Ɀaakaʋona ʋurombo bgomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva ɀino marudzi ose acati, ndakaropafadzwa; Nokuti uyo unamasimba wakandiitira ɀinhu ɀikuru; Zita rake idɀene. Ŋgoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Aʋanhu ʋanomutya. Wakaratidza simba rake noruʋoko rwake; Wakaparadza ʋaiɀikudza mundaŋgariro dzemŋoyo yaʋo; Wakabvisa madzimambo paɀigaro ɀaʋo ɀoʋushe, Akasimudza ʋakaninipiswa; Ʋanenzara wakaʋagutsa neɀakanaka, Akadzosera ʋafumi ʋasina; Wakaɓatsira Israeri, muranda wake, Kuti araŋgarire ŋgoni dzake, (Seɀaakareʋa kumadziɓaɓa eɗu), KunaAbrahama nokurudzi rwake nokusiŋgaperi. Maria akagara naye mŋedzi ineŋge semitatu, akadzokera kumusha kwake. Ɀino ŋguʋa yaErisabete yokuɀara kwake yakaȿika; akaɓereka mŋanakomana. Ɀino ʋakaʋakirana naʋo nehama dzake ʋakati ʋanzwa kuti Ishe wakaŋga amuitira ŋgoni huru, ʋakafara naye. Ɀino nezuʋa rorusere ʋakaʋuya kuzodziŋgisa mŋana, ʋakaɗa kumutumidza zita raɓaɓa ʋake, Zakaria. Ipapo mai ʋakapindura, ʋakati: Kwete, ucatumidzwa Johane. Ʋakati kwaari: Hakunomunhu kuhama dzenyu wakatumidzwa zita iro. Ʋakabvunza ɓaɓa ʋake, ʋaciɗudzira namaʋoko, kuti anzi aniko. Ʋakakumbira ibge rokunyora pariri, ʋakanyora ʋaciti: Johane, ndiro zita rake. Ʋakashamiswa ʋose. Kamŋe‐kamŋe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasunuŋguka, akataura, akarumbidza Mŋari. Kutya kukawira ʋose ʋakaŋga ʋagere naʋo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudea. Ʋose ʋakaanzwa, ʋakaaceŋgeta mumŋoyo maʋo, ʋaciti: Ucazoʋa mŋana wakaɗiniko? Nokuti ruʋoko rwaShe rwakaʋa naye. Ƃaɓa ʋake, Zakaria, ʋakazadzwa noMŋeya Mutȿene, ʋakaprofita, ʋaciti: Ishe, Mŋari waʋaIsraeri, ŋgaakudzwe; Nokuti wakamutsa ʋanhu ʋake, nokuʋadzikinura, Akatisimudzira runyaŋga rwokuponeswa Mumba momuranda wake, Davidi; (Seɀaakataura nomuromo waʋaprofita ʋake ʋatȿene, ʋakaŋga ʋari’po kubva pakuʋamba kwenyika), Kutiponesa paʋaʋeŋgi ʋeɗu, napamaʋoko aʋose ʋanotiʋeŋga; Kunzwira madziɓaɓa eɗu ŋgoni, Nokuraŋgarira suŋgano yake tȿene; Kupika kwaakapika nako kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, Kutipa simba isu, tasunuŋgurwa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋeɗu, Kuti timushumire tisiŋgatyi, Noʋutȿene nokururama pamberi pake mazuʋa eɗu ose. Iwe, Mŋana, ucanzi muprofita woWokumsoro‐soro, Nokuti iwe ucatuŋgamira pamberi paShe, kumugadzirira nzira dzake; Kuziʋisa ʋanhu ʋake nzira yokuponeswa nayo, Ʋacikaŋganwirwa ɀiʋi ɀaʋo, Nomŋoyo munyoro waMŋari weɗu, Ucatishanyira namambakwedza okuɗeŋga, Kuvenekera ʋagere murima nomumumvuri worufu; Nokuraramisa tsoka dzeɗu munzira yorugare. Mŋana akakura, akasimba mumŋeya, akagara mumarenje, kuȿikira zuʋa rokuratidzwa kwake kuʋaIsraeri.

Verenga chikamu Ruka 1